Chigayo
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMugaisi)
Chigayo (Mill in English) muchina unotsetsa magodo achipwanyiwa kuita madiki kana kuita sehupfu. Chigayo chinonyanya kuzivikanwa pari pakugaya chibage kuita hupfu kana kugaya gorosi kuita flour.
Asiwo kune dzimwe mhando dzezvigayo zvinoshandiswa kupwanya magodo akasiyana muhushangazhi. Kumigodhi kune zvigayo zvinogaya matombo zvichitsetsa kusvika pakutsetseka kudiki pane jecha. Kana kuri kumigodhi chitofu chinenge chabva kubandwa ne mhandamabwe. Chitofu chinotsetsewa kusvika chaita sejecha chiine tsanga dziri pasi pe 100 micrometer.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaGanda vanoti gaya (chew, masticate) vachireva kutsenga. VaNyole vanoti ohugaaya (v. chew) kureva kugaya.
- VaLozi vanoti kukaya (v.t. to mill grain. to grind) vachireva kugaya. VaLozi vanoti sikayo (grinding mill) vachireva chigayo. Barotse vanoti mukaiwa vachireva mugaiwa.
- MaZulu vanoti gaya (v. Grind, crush) vachireva kugaya. Mamwe mazwi: umgayi (Grinder) vachireva mugaisi.
- Vatauri veUmbundu vanoti seka (grind, pulverize) zvichireva kugaya. Mazwi Anotodzana: oloseke (grits) zvichireva mabandi.