Svetuka kuchirochemo

Chuma

Kubva Wikipedia
Chuma chemaruva

Chuma (ku Chingezi: bead) kana Shambo chinhu chidiki, chekushongedza chinoumbwa mumhando dzakasiyana uye saizi yechinhu chakadai sedombo, bhonzo, goko, girazi, pwastiki, huni kana parera uye ine gomba diki rekusunga kana tambo.

Mutsika dzeVashona

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Chuma chakasiyana.

Chuma chinoshandiswa panguva yekuroorwa, vakadzi vanoipfeka pahuro. Pamusoro pezvo chuma chinopfekwa mumaoko, mumakumbo, pahuma, mumusoro uye muchiuno nehudyu.

Chinyorwa chino chiri kuunganidza mashoko anoreva chuma kana zvirukwa zvine chuma.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • MaZulu vanoti amadube (n. Beadwork with different coloured stripes running horizontally) kureva chuma chine mitsetse inotevedza tambo.
  • Baila vanoti kutunga (to pierce as when sewing thatch on), kutunga rwodzi pakupfirira imba.
  • Baila vanoti kutunga (to thread a needle, to thread beads) kutunga tsono kana kutunga chuma.
  • VaKwere vanoti usalu (n. beads) vachireva chuma. Chuwabo vanoti zango kana mazango (n. beads) vachireva chuma.
  • VaWanga vanoti eshuma (string of beads; sometimes used of a single bead) vachireva chuma.
  • Nsenga vanoti cuma (n. property, effects) vachireva pfuma