Chipembere
Chipembere (Rhinoceros in English) zimhuka zihombe remusango rine nyanga pamhuno nemakumbo makobvu. Rimwe zita rechipembere rinonzi nhema. MuAfrica mune marudzi maviri echipembere; kuchamhembe kweAsia kune matatu.
Nhema imhuka huru inokwanisa kusvika 1 tonne pahuremu; ine ganda gobvu rinopimwa kuita 1.5-5cm pakukora kwaro. Mhuka iyi inodya makwenzi zvikurusei mashizha acho; asi kana pasina mashizha inodyawo zvimwe zvine tseta.
- Kadyamutowa (Black Rhinoceros) kureva chipembere.
Zvikara
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mumasango chikara chikuru chinouraya chipembere ndiye munhu. Mhuru dzachipembere dzinourayiwa neshumba; mbada; dindingwe uye makarwe; mhumhi nemapere. Chipembere chinonwa mvura kurwizi mazuva ose; izvi ndizvo zvinoita kuti chipembere chasanetsa kubayiwa nemakororo anovhima zvokuba.
Vanoba nyanga dzechipembere vanotengesa kuChina uko kune vanotenda kuti nyanga iyi inorapa fever.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Usapedzera mapfumo mukubaya nhema idzo nzou dzichauya. Don't waste spears on stabbing rhinos when elephants (may still) show up.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaTonga vanoti cipembele (hippo; hippopotamus) kureva chipembere. Taabwa vanoti kipembele (n. rhinoceros) kureva chipembere.
- MaZulu vanoti inkulumane (n. White rhinoceros) kureva nhemachena. VaVenda vanoti thema (n. Black Rhinoceros).
- MaZulu vanoti umkhombe, umkhombo kana umduzu (n. White rhinoceros) vachireva nhemachena.
- VaGungu vanoti hyoko (n. rhinoceros) kureva chipembere. Nsenga vanoti chipembele (n. rhinoceros) kureva chipembere.